Danhautande

Kubva Wikipedia
Danditautande

Danhautande (kureva internet; web ) madanhautande zvinotaura mukumbanidzwa we Utande hwema Computer unobatanidza computer dziri pautande hwakasiyana munzvimbo dzakasiyana Pasirose . Danhautande rakarongwa nenzira yokuti utande hwakawanda hunokwanisa kunzwanana mutauro, computer dziri pautande hwakasiyana dzichikwanisawo kutumirana mashoko. Nemamwe matauriro tingati Danhautande ringanzi utande weutande . Varidzi veutande hunobatanidzwa pa Danhautande vanosanganisira: hurumende dzenyika; masangano epovho; masangano akazvimirira; mabhizinisi nezvikoro.

Danditautande riri kushandura mafambiro emashoko nenzira dzave kubatawo zvinhu zvinosanganisira: runhare , mimhanzi ; mafirimu ne terevhizheni zvinova zvave kushongedzwa kuti zvishande pa Danhautande . Pari zvino vanhu vave kukwanisa kukurukura kuburikidza ne Danhautande , ari panhare achitaura neumwe ari pane imwe nhare kana pacomputer. Vanodhinda mapepanhau, mabhuku, nezvinyorwa zvakatsaukana vave kupinda mukushandisawo Danhautande vachivamba ruvazheutande (website) dzokuti vatengi vanouyapo vachikurukura uye vachiwana nokutenga zvavanoda. Danhautande ravakugonesa nzira dzitsva dzokuti vanhu vakurukure dzinoti: mashoko pakarepo (instant messaging) ; hurukuro dzepadandira (internet forums) ; uye kuzangarara pautande (social networking).

Pfungwa yokuva neDanhautande yakavarurwa nehurumende ye Amerika mu mwaka wechikumi 1960 apo yaitsvaka nzira tsvene dzokufambisa nadzo mashoko kuchishandiswa computer. Tsvakurudzo iyi yakaitwa vachikutsirana ne Bhuritani uye Furanzi , kwakaumbwa utande hwaipirana mashoko kokutanga asi chirongwa ichi hachina kuburitsa danhautande panguva iyi. Hapana kubvumirana kuzere kuti danhautande svinu rakazovepo riinhi asi nyanzvi zhinji dzinorerekera pakuti Danhautande rakasimbiswa mu mwaka wechikumi 1980.

Kurerutsa Mutauro [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Peji yepaMukova (Home Page) ipeji rinobuda pokutanga pakuvhura ruvazheutande . Kazhinji peji iri rinoratidza misoro yezviripo pachinyorwa ichi.

Kukochanidza (Link, verb) Muchodzanidzo (Link, noun)

  • utangechenza - protocol
  • utangechenza wedanhautande; Dangechenza redanhautande (internet protocol)

Mitauro yeBantu [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

  • Sangho vanoti pafungula (n. password). Mamwe mazwi: pa (n. word).