Ndege
(kureva
Aeroplane
ku
Chingezi
). Kuti ndege isumuke kune zvinhu zvakakosha zvinoti:
- Mapapiro aka
twasuka
pasi ane pamusoro pakaita
hubumbe
.
- Kugona kumhanya kusvika pa
spidhi
yakakura unozogonesa ndege kusimuka.
Kana mhepo ichinge ichivhuvhuta
puresha
yayo inodzika nekukwira kunoita
spidhi
yemhepo. Kana spidhi yemhepo ikaderera puresha yemhepo inokwira. Kucherechedzwa kwechiitiko ichi ndiko kunoshandiswa pakusimudza ndege kuenda mudenga.
Paye ndege inenge yomhanya panhandare yendege
mweya
unomhanya ichipesana nemapapiro endege. Puresha iri pasi pemapapiro inosiyana nepuresha iri pamusoro pemapapiro.
- Mweya uri kufamba nepasi pebapiro inefamba
nhambwe
diki pane iri kufamba nepamusoro. Izvi zvinokonzerwa nokuti pasi pakatwasuka, asi pamusoro pakaita
hubumbe
.
- Izvi zvoreva kuti mweya uri pamusoro pemapapiro unomhanya nemurumba wakakura kudarika uri pasi. Kusiyana kwespidhi kunokonzera kusiyana kwepuresha sezvataurwa pamusoro.
- Izvi zvinoreva kuti puresha iri pasi pebapiro yakawanda pane iri pamusoro pebapiro. Kuwanda kwepuresha pasi pemapapiro
fosi
inonzi
simudzo
inova ndiyo inosimudza ndege kuenda mudenga.
Paku bhururuka kwendege, pane ma
manikidzo
(force) mana anonge achitamba pandege. Manikidzo idzi dzinoti,
simudzo
,
gwesho
,
gunganidzo
ne thrust. manikidzo yesimudzo neye gunganidzo dinopesana kana kuti kupikisana dzichibva mativi akasiyana. Ye gwesho ne thrust zvinopikisanawo zvichibva mativi akasiyana asi manikidzo idzi dzinenge dzaka chinjikana ne-e simudzo ne gunganizo. Kuti ndege ikwanise kubhururuka, manikidzo yesimudzo inenge yakafanana neye ngunganidzo.
Simudzo = gunganidzo
Uye ye gwesho inenge yaka fanana neye thrust
Gwesho = thrust
- Kana uri mu
ndege
zvinhu zviri pasi zvinogangarika: when you are in an aircraft the things on the ground are clearly visible.