Vhiki
kana kuti
svondo
zvinoreva nguva inoita mazuva anoverengwa kuita masere akatevedzana. Mazuva evhiki anoverengwa zvichivamba musi we
Svondo
kusvika musi we
Mugovera
. Nokumwe kutaura vamwe vanodaidza vachiti svondo.
Mazuva evhiki ndeanoti:
- Svondo
- zuva rokutanga reVhiki kanaSvondo
- Muvhuro
- zuva rechipiri reVhiki. Muvhuro izuva rokutanga pamazuva anoenda vanhu vazhinji kubasa, izuva rinovhura mazuva emushando paSvondo roga-roga.
- Chipiri
- zuva rechipiri pamazuva anoshandiwa paSvondo roga roga. Uyewo, Chipiri izuva rechitatu kubva kutanga kweSvondo roga-roga.
- Chitatu
- zuva rechitatu pamazuva anoenda vanhu vazhinji kumabasa ririvo zuva rechina kubva pazuva rokutanga kweSvondo roga-roga
- China
- iri izuva rechina pamasuva emushando paSvondo roga-roga, ririvo zuva rechishanu kubva pazuva rokutanga kweSvondo roga-roga.
- Chishanu
- iri izuva rechishanu riri rekupedzisira pamazuva okushanda paSvondo roga-roga asizve riri zuva rechitanhatu kubva pazuva rokutanga paSvondo roga-roga.
- Mugovera
kana kuti
chitanhatu
- iri izuva rokupedzisira paSvondo roga-roga. Uyewo izuva apo vamwe vashandi vanogovegwa mibairo yekushanda kwavakaita paSvondo rose, ndiko kusaka zuva iri rakanzi Mugovera.