Nguva

Kubva Wikipedia

Nguva ( nge . time, duration ) kana nguwa ienderero ye chamuteverano che vuzima uye zviitiko zvinoitika mu rondo rwusingakunukudzwe kubva mu rukare , mu ruzvino uye mu ramangwana . Chisanganiswa chehuwandu hwe zvipimo zvakasiyana zvinoshandiswa ku tevedza zviitiko, kuenzanisa nguva-inotorwa ye zviitiko kana maindavhoro aripakati pawo, uye kukwandifaya rheti ye shanduko ye huwandu hwemu mtumbi pavudi kana mu rupepuko rwe itiko . Nguva inowanzo dudzwa se utandu una , pamwe ne utandu unhatu we chadenga .

Nguva yagarisa iri nhauro yakakosha ye kudzidza mu chinamato , ugondamano uye sainzi , asi kuipa chirevo munzira inopinda mu ndimafundo dzose pasina chirevo chinozivikwana kwakakonzera kukanganisa vafundi (maskola) . Zvakadaro, ndimafundo dzakasiyana senge bhizimusi , hushangazhi , maspoti , masainzi, uye zviseza zvokupefoma zvinosanganisa nosheni yenguva mu mitandira ye kupima yazvo.

Nguva inopimwa nezviyero zvinonzi: chepiri (s), mhindi (mhin), rinhambo (nh). Musi umwe une mamanhambo makumi maviri nemana (24 hr). Rinhambo rimwe rine makumi matanhatu emhindi. Mhindi rimwe rine makumi matanhatu echepiri.

  • Kudzamara , dzamara , kudzimara , kudzingara - ishoko rinotaurwa kurevera chinhu chiri kuitwa iko zvino chichizomira kana kushanduka kana imwe nguva yasvika. Somuenzaniso - ticharima dhunduru rekumadokero kudzamara zuva ravira. Ticharamba tichifamba kudzamara tasvika pane misha.
  • Metsa ishoko re Chindau rinofanana nokuti kudzamara . Sokuti metsa nhasi zvinoreva kuti kusvika nhasi. Metsa auye kureva kudzamara auye.
  • Rute 1:19 , Ndizvo vairi ava vakaenda metsa vaguma Bhetherehema: So the two of them went on until they came to Bethlehem. (kubva mu Bhaibheri re ChiNdau )

Nguva ye Chishona [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

nguva pa wachi Chishona nguva pa wachi Chishona Nguva pa wachi (inogona kuva iyi futi)
Kuseniseni
4:00am ? 4:59am mambamkwedza ; mashambanzou ante meridiem; AM kuseni (ksn) 4:00ksn ? 4:59ksn
5:00am ? 5:59am runyanhiriri ; mafuramhembwe kumashure kwemasikati mm?; km? 5:00ksn ? 5:59ksn
Mangwanani
6:00am ? 9:59am rudziyamushana ; rudziyakamwe 6:00ksn ? 9:59ksn
10:00am ? 11:59am rurovanhongonya 10:00ksn ? 11:59ksn
Masikati
12:00pm ? 14:59pm masikati post meridiem; PM msk (masikati) 12:00msk ? 14:59msk
15:00pm ? 16:59pm madeukira [madekwana] 15:00msk ? 16:59msk
Madeko
17:00pm ? 17:59pm rukunzvikunzvi mdk (madekwa) 17:00mdk ? 17:59mdk
18:00pm ? 18:59pm rufuramhembwe [manhoko] mnh (manheru) 18:00mdk ? 18:59mdk
Manheru
19:00pm ? 19:59pm ruvhunzavaeni 19:00mdk ? 19:59mdk
Usiku
20:00pm ? 3:59am usiku 20:00mdk ? 3:59ksn

Nguva dze mangwanani [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

  • Kumashure kwe masikati (mm) - haakwanise kushandiswa nekuti zvinopokana ne milimita.
  • Kumashure kwe masikati (km) - inopokana ne kiromita.
  • Kumashure kwe masikati (ms) - inopokana ne mili sekondi.
  • KSN - ari kubva pakuti "kuseni", saka panonzi 6am toniti matanhatu ekuseni (6ksn)

Nguva dze masikati [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

  • MSK - ari kubva pakuti "masikati", saka panonzi 12pm tinoti maguminembiri emasikati (12msk).
  • MDK- ari kubva pakuti "madekwa", saka panonzi 6pm tinoti matanhatu emadekwa (6mdk)
    • shoko rokuti madekwa rakajairika vanhu vazhinji vanoritaura pavanenge vachitaura nezve nguva ngunyangwe munziyo. 6 dzemadekwa, 9 dzemadekwa.
  • MNH - ari kubva pakuti "manheru", saka panonzi 6pm tinoti matanhatu emanheru (6mnh)

Kuwerenga nguva [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Rinhambo / Awa [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Nhambo irimwe shoko reShona rinoreva kunguva, rinoshandiswa kutaura zvikamu zvenguva, kana tichitodza Chingezi tinoti awa .

Mamhindi / Mamineti [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Mhindi ishoko rechishona rinoreva nguva pfupi, uye nekumwe kutaura tinoti mineti zve tichitodza Chingezi.

Zvepiri / Masekondi [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Chepiri ndiro shoko rinoshandiswa kureva masekondi kuChishona, nekumwe kutaura tinoti Chinguva .

Zvidimbu / Hafu [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Chidimbu zvinoreva chikamu kana chikamu chepakati neChishona, nepamusaka pekushandisa Chingezi vanhu vanoti hafu zve.

Zvipandi / Kota [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Chipandi [1] ishoko rechishona rinozvikamu zvina, kana kota tichitodza Chingezi pekare.

Zvinyorwa zve chidzidzo [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Mwero wenguva [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Kurerutsa Mutauro [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

  • Mati sekuru vachasvika nhamboi?
  • Mugarakare (Object that has lasted long, or will last long, or has been a long time in its present position).
  • Hunderere , hunyata , kana tsva-a (ideo of Growing dark at dusk). Kunze kwava kuti hunderere: dusk is falling.
  • Apo nyika ichindoripo mukuwo wokukusha nokukukura, kutonhora nokupisha, chirimo nechando, masikati nousiku azvizokoreri, Genesis 8:23 (kubva mu Bhaibheri re ChiNdau ).
  • Chinguri ndamuka handina kumbobuda panze.
  • Chiko ndakabarwa handisati ndamboona nzunza .
  • Chingo chandapinda handisati ndaonana na Chiremba .

Tsumo [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

  • Zuva ravira radoka usiku hahuriri shiri . After sunset, it dawns (already); birds do not sing at night.
  • Pasi mupindu panopinduka. The world is liable to change, it changes.

Mashoko ashandiswa [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

chamuteverano ( sequence ) itiko ( experience , qualia) ndimafundo (field of study)
mtumbi pavudi ( material reality ) utandu una (fourth dimension)
indavhoro (interval) utandu utatu we chadenga (three-dimensional space)
rupepuko (conscious) chadenga (space)

Mitauro ye Chibantu [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

  • Mang'anja inoti ntawi (n. time) kureva nguva. Nyungwe inoti nthawe (time) kureva nguva. Kagulu inoti chigele (time).
  • Zigula ne Digo inoti chipindi (awhile, while, time, channel, episode; Period of time) kureva nhambwe yenguva. Yao inoti katema (time, occasion, season, date).
  • Nyanja inoti bindikiza (n. to be permanent). Shambala inoti minga (n. time) kureva nguva. Kinande inoti endambi (time) kureva nguva .
  • Makua inoti okathi (n. time) kureva nguva . Ndebele inoti isikathi. Luganda inoti mlundi (a time) kureva chinguva. Kinande inoti -tambi (time, duration) kureva nhambo .
  • Luganda inoti milundi mingi (often) kureva nguva zhinji. VaZigula inoti ntambo ino (this time). Mamwe mazwi: ntambo ntuhu (next time). Muda kana mwida (period).

Mabviro eruzivo: [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

  1. Vashona Project, (2019), 'chipandi'