Peji rino richiri kuverengwa, kugadziriswa ne kuiswa majhonari ezvidzidzo.
Karenda ye Chivanhu
kana
Karenda ye Chishona
ndiyo
Karenda
yaishandiswa (uye inogona kuzoshandiswa) nevanhu vechi
Shona
. Karenda iyi inogona kunge ichirikushandiswa kumamisha, kunyanya kune vaye vanoremekedza tsika dzedu dze Chivanhu.
Karenda ye Chivanhu yakabviswa pakaunzwa
Karenda ya Gregori
ne
Vazungu
. Karenda iyi ndiyo inoshandiswa pasirose kunyika zhinji dzaive mu
hukoloni
hwe
Vangezi
. Dzimwe nyika adzemu
Afurika
dzinoshandisa
Karenda ye Hijiri
, kureva Karenda ye Uyisalama inotodza mwedzi futi, zvakadaro nokuda kwokuti waive pasi peukoloni hwe
Vaarabhu
kwete Vangezi.
Makarenda anowanzo enderana ne Chinamato kana Chidaviro chevanhu vanoishandisa saka pakakolonwa nyika vanhu vaidzidziswa chinamato nemaitiro evakoloni vavo uye vakapuhwa Chinamato ne karenda dzevakoloni richienderana ne mahoridhe avo, enz.
Kisimusi
. Izvi zvinoreva kuti dai isu takakolonwa ne Vaarabhu senge vamwe vedu veku
Tanzania
ne
Kenya
dai tichinamata wo
Allah
uye tichishandisa Karenda ye Hijiri.
Mwedzi Yekare
|
|
|
Mwedzi Yanhasi
|
Zvita
|
1
|
|
Ndira
|
Ndira
|
2
|
|
Kukadzi
|
Kukadzi
|
3
|
|
Kurume
|
Kurume
|
4
|
|
Kubvumbi
|
Kubvumbi
|
5
|
|
Chivabvu/Bandwe
|
Bandwe
|
6
|
Mwedzi uyu waishandiswa gore rechitatu bedzi.
|
Chikumi
|
Chivabvu
|
7
|
|
Chikunguru
|
Chikumi
|
8
|
|
Nyamavhuvhu
|
Chikunguru
|
9
|
|
Gunyana
|
Nyamavhuvhu
|
10
|
|
Gumiguru
|
Gunyana
|
11
|
|
Mbudzi
|
Gumiguru
|
12
|
|
Zvita
|
Mbudzi
|
13
|
|
|
Misi Yekare
|
|
Misi Yanhasi
|
Muvhuro
|
Musi wekutanga
|
Svondo
|
Chipiri
|
Musi wechipiri
|
Muvhuro
|
Chitatu
|
Musi wechitatu
|
Chipiri
|
China
|
Musi wechina
|
Chitatu
|
Chishanu
|
Musi wechishanu
|
China
|
Mugovera
; Chitanhatu
|
Musiwechitanhatu
|
Chishanu
|
Chisi
|
Musi we Chishanu
|
Mugovera
|
Vhiki
re Chivanhu raitanga musi wa Muvhuro, zita rayo rinogona kunge rakabva pashoko rokuti
kuvhura
nokuda kwekuti ndiwo musi wai vhura vhiki. Pakuuya kwe Vazungu vachifundisa Vanhu hunhu hwavo ne tsika dzavo vachiti tisiye zvataiita ndipo pavakatiwedzera musi we Svondo se
sunday
. Iro shoko rekuti
Svondo
kana Sondo rakabva kuChibhunu nekuda kwe
Vanguni
, pachedu tairishandisa kureva vhiki, ndikosaka vamwe vanhu vachiti "sondo/svondo rakapera" vachireva "last week". Nekuda kweizvi, musi wokupedzisira ndiMugovera kana kuti Chitanhatu, zvinodai kunyangwe musi uchifanhira kuteerwa nemumwe.
Musi we Chipiri ndiwo waiteera muvhuro, wakadanwa kutodza numeri ye chipiri nokuti inoteera motsi. Chipiri ndiwo musi wechipiri pakurava misi yekushanda.
Musi we Chitatu unoteera Chipiri, wakanganwa kutodza numeri tatu ngekuti ndivo musi wechitatu uchiverenga mazuva ekushanda.
Musi we China unoteera Chitatu, wakadanwa kutodza
numeri
ina
ngekuti ndivo
musi
wechi-ina uchirava misi yekushanda.
Musi we Chishanu unoteera China, wakadanwa wo kutodza numeri shanu ngekuti ndivo musi wechishanu pakurava misi yekushanda.
Rakadanwa nokuti ndiro zuva raigoverwa vanhu mari kana zvibhadharo zvavo pamusoro pebasa ravainge vaita, vachirongeza musi we Chisi nokuti vanhu vaisabvumidzwa kushand musi weChisi pamutemo. Musi uyu ndiwo waive wekupedzisira pa
misi yekushanda
.
Chisi
kana
Chisingarimwi
, ndiwo usi we chinomwe uye wekupedza vhiki mutsika ye Chivanhu, uyu ndiwo zve musiwokuzorora muchitendero chechikaranga chedu.
- Karenda ye Umwedzi
- Karenda ye Chiwanhu
- Karenda ye Chivandu