Kushambira
(swimming) zvinoreva kuyangarara pamusoro pemvura munhu achienda mberi kuburikidza nokuchayira
mvura
kumashure nemaoko nemakumbo. Vanhu vanoshambira munzvimbo dzinoti:
rwizi
,
dziva
,
dziva rokushambira
;
nyanza
; ne
gungwa
. Kushambira kunoitwa sekuvaraidza nguva, kutamba, kana
makwikwi
Zimbabwe
ine
musikana
akakunda kumakwikwi ePasirose anonzi Olympics. Musikana uyu anonzi
Kirsty Coventry
akatora
menduru
dze gold ne bronze pamitambo ya2008.
Vanoshambira vane mbatya dzavanopfeka dzakagadzirirwa kuti vasaremerwa nemvura inenge yachakwatisa mbatya. Jira rinosoneswa mbatya dzekushambira rakagadzirwa kuti risabata mvura yakawanda. Kutsika dze
Varungu
zviri mavari kuti vabereki vanoshambira pamwe nevana vavo kana kuti
muroora
anoshambira na
tezvara
akapfeka mbatya dzokushambira.
Kuno ku
Africa
vanhu Vatema vashoma vanoshambira zvikurusei kune vakura kana vakaroorana. Hachisi chinhu chinotariswa mune zvakanaka kuti mubereki anoshambira pamwe nemwana kana kuti muroora natezvara. Kune zvizvarwa zve
Zimbabwe
zvagara kumhiri kwemakungwa ku
Europe
, USA ne
Australia
yave tsika yave kuonekwa kuti vabereki vanoshambira nevana vavo; izvi zvichitevedzawo tsika nemitemo yenyika idzodzo.
Kunyika idzi vanoda kuti mwana ari pasi pemakore gumi nemaviri ave nemukuru anomutarira kana ari mu
dziva rokushambira
. Kazhinji zhinji mubereki ndiye anotora danho irori rokuva mutariri wevana vake. Zvisineiwo zvinotaridza kuti vanhu ve
chizvarwa
cheZimbabwe vanokasira kutorawo tsika dzekunyika dzavakatamira - kusiri kunzi maitiro aya akashata kana kururama.
- MaZulu
vanoti
ukuhlamba
(swim) vachireva kushambira. Muenzaniso:
Amadada ayahlamba
(The ducks are swimming).
- VaLenje
vanoti
samba
(v. swim, float) vachireva kuramba uri pamusoro pemvura. Fananidzai nezvinoitika pa
kushambira
?
- VaGiryama
vanoti
mutsara
kana
ritsara
(artificial pool).
VaTsonga
vanoti
bukuxa
(v. swim) kureva
kubhukuja
.
- VaMambwe
vanoti
kowa
(a swimmer) kureva mushambiri.
Bavili
vanoti
saambile
(v. to paddle).