Zvombo zveShomwe
(Nuclear Weapons) imhando yebhomba rinoputika richishandisa
rupinguro rweshomwe
yehatomu, uku kungava kushanduka kwemutowo we
kubanzuka kweshomwe
(nuclear fission) yehatomu kana
kunyenguka kweshomwe
(nuclear fusion) yehatomu. Nokumwe kutaura tinokwanisa kuti zvombo zveusomo.
Hondo yeZvombo zveShomwe
yakarwiwa kamwe apo
United States of America
yakadonhedza zvombo zveshomwe pamaguta e
Hiroshima
ne
Nagasaki
kuJapan mugore 1945.
Kubvira pakadhuurwa mabhomba kuHiroshima neNagasaki, zvombo zveshomwe zvadhuurwa panhambo dzinodarika zviuru zviviri (2,000) nechinangwa chokuwongorora mashandiro uye kuratidzira ezvombo izvi. Nyika dzine zvombo zveshomwe kana dziri dzinozivikanwa kuti dziri kuzvitsvaga inyika shomane. Nyika dzinozivikanwa kuti dzakadhuura zvombo zveshomwe dzinosanganisira: United States, Soviet Union (Russia ndiyo yakagamuchidzwa zvombo zveshomwe), United Kingdom, France, China, India, Pakistan, neNorth Korea. Kune kufungidzira kuti Israel ine zvombo zveshomwe asi iyo Israel yaibvume kuti ine zvombo izvi. South Africa yakambenge yagadzira zvombo zveshomwe, asi kunonzi panguva yakanga yofa
hutongi hwerusaruraganda
zvombo izvi zvakagurunurwa, mushure mokunge South Africa yagamuchira
Chibvumirano Chekumisa Kutekeshera kweZvombo zveShomwe
.
Izwi rokuti
nucleus
rakabva pazwi re
Latin
rokuti
nuc
rinoreva
little nut, kernel or core
- apa kuchirehwa chikamu chenzungu chakapfava, chinodyiwa, chisiri mateko. Saka pano kuturikira
kernel
kuChiShona tinenge toti
shomwe
kana kuti
usomo
.
Shomwe
kana kuti
usomo
zvinoreva mhodzi dzinowanikwa mukati memateko enzungu kana pakati pe
tsongoro
pamichero yakadai se
hacha
kana
pfura
- idzi dziri mhodzi dzakapfava uye dziine mafuta.
Zvombo zveshomwe zvose zviriko zvinowana simba rekudhuuka kubva pa
rubanzura shomwe
.
Imwe mhando yezvombo zveshomwe ndeizvo zvinoburitsa simba razvo kubva pa
Runyengutsa Shomwe
.