한국   대만   중국   일본 
X - Wikipedia Svetuka kuchirochemo

X

Kubva Wikipedia
Mabhi e Chiratini (semu Chishona )
Aa Bb Bh Cc Ch Dd
Dh Ee Ff Gg Hh Ii Jj
Kk Ll Mm Nn Oo Pp Qq
Rr Rh Ss Tt Uu Vv Vh
Ww Xx Yy Zz
Mabhi eChivanhu a /x/
Mabhii ekudzvanya
X Xh Xw
Mabhii ekuhhora
? ?? (k?) ?w (k?w)

X (kana " x ") i bhii rinobva kubumbiro re mabhii eChiratini rinoshandiswa mukunyorwa mitauro zhinji pasirose richiereketwa zvakasiyana. Rinowanikwa mubumbiro re mabhii eChivanhu , zvichienderana nemutauro kana mutauronyina. Bhii ra / x / mumitauro ye Chivanhu rinowanikwa mu Chindau nekuti chine pesvedzero yeChinguni, pamusoro pezvo, rinogona kunge richiwanikwa mumitauronyina ye Chikaranga .

Mashandisirwo anoitwa X [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Mashoko ekudzvanya [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Mashoko ekuhhora [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Nekuda kwe kugadzirwa kwe Standadhi Shona mabhii mazhinji anowanikwa mumitauro imwe haanyorwo sezvaanonzwika. Senge dhla- kuChikaranga, uye zve / ?a /, iri harisi bhii rekudzvanya asi rekuhhora, kuti risiyaniswe ne / ?a / wekudzvanywa ringanyorwa futi sa / k?a /, do raiswa pamosoro pa /x/ raiswa kuti tikwanise kusiyanisa / xa / wekudzvanya unowanikwa muChindau (nemitauronyina ye Chikaranga) - uye ndiwo manyorerwo ebhii iri kumimwe mitauro ye Chibantu senge Chisutu .

Senge :

  1. xhosa
  2. ?hosa/k?osa

Mienzaniso a ?a / k?a

  • h?ada , k?ada - iekspresheni rinoshandiswa munhu ashamiswa zve, kana kureva kwete.
    • ?a/k?e - pachayo anoshandiswa wo
  • h?ede , k?ede - ishoko rinoshandiswa munhu ashamiswa.
    • ?e/k?e - pachayo anoshandiswa
  • p?anya , pk?anya - mhando ya pwanya .
  • ?arani , k?arani - senge kuti harani .

Mashoko akabva kuChingesi [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Mashoko akabva ku Chingezi anowanikwa ku Chishona anoshandisa 'x', anoshandurwa kuva na / sh /, / ks / kana / s /.

Bhii ra ks, rinowanikwa muChishona pachinonyorwa neunyope, senge kseni (kureva kuseni ), kana ksasa (kureva kusasa ) uye kana jekseni (kureva jekiseni ).

  • oxygen - oksijeni
  • axial - akiso, aksiya

Mabhi eChishona [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

tarisai futi Chishona , uye Bumbiro reMabhi eChishona