Ugondamano
(ku
Chingezi
: philosophy) chidzidzo chakanangana: nekubuditsa pachena misimboti yedenhe reruzivo riri kutariswa; kubata chokwadi chedingindira riri kucherechedzwa, uye kuumba patsva ruzivo rwakagamuchirwa nevanhu nechekare. Ana
chigondamano
(philosopher) vanhu vanoshanda mubande re
Ugondamano
.
Philosophy
izwi re
English
rakaumbwa nemazwi maviri anoti:
philo-
(meaning love) uye
sophia
(skill, knowledge, wisdom) kana
sophis
(wise, learned).
Ku
ChiShona
izwi rokuti
kugonda
(to trust, to depend on) rinoreva kuvimba mune chinhu. Saka
Ugondamano
zvinoreva chidzidzo chakanangana nekuwana uye kunzwisisa ungwaru hwakapinda pakuumbwa kwenhaurwa; zvinhu; mubisho; mutemo; kana zvisikwa zviri panyika nemuchadenga.
Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro ye
ChiBantu
, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana
zvachose
nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.
- VaLenje
vanoti
mano
(sense, intelligence, reason, wisdom, cleverness, knowledge) vachireva
mano
.
- VaChewa
vanoti
kukondanzeru
(n. philosophy). Mamwe mazwi:
kukonda
(v. to love).