Musande Petro ne Mikeroni
(
Fur
:
Saint-Pierre et Miquelon
) kana
Sando Pitero ne Mikeroni
, uye zviri pamutemo
Mukumbi weTeritori ye Sando Pitero ne Mikeroni
uyezve muChifurenji zvonzi
Collectivite territoriale de Saint-Pierre et Miquelon
. Uyu mukumbi we teritori inozvitonga yemhiri kwemakungwa ye
Furanzi
ku
maodzanyembaemadokero
e
Gungwa re Atlandiki
kudhuze ne
Nyufaundilendi
(Newfoundland) ne
Rabhuredho
(Labrador) purovhinzi ye
Kanadha
. Sando Pitero ne Mikeroni ndiyo yasara yenzvimbo yaimbova yakakura ye
Furanzi Itsva
. Vagari vemo ndi
Vasanyika
veFuranzi; mukumbi inhengo yakazara ye
Mbungano ye Dhidhizha
uye inopinda mu
saruro
reuseneta ne utungamiranyika. Inofukidza 242 km2 (93 sq mi) yenyika nemahombekombe uye yaive nehuwandu hwevanhu zviuru zvitanhatu nemazana masere kubva pa
senzasi
yemuna Kurume 2016.
Zvitsuwa zvacho zviri mu
Gahwi ra Musande Rorenzo
pedyo nepanopindwa napo pa
Bhayi re Fochuni
, inopinda mumhenderekedzo yegungwa yokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweNyufaundilendi, pedyo ne
Magombe Makuru e Nyufaundilendi
. Musande Petro iri makiromita gumimbiri(12 mi) kubva ku
Poyindi Mei
(
Point May
) pa
Mugimbakirwa we Bhurini we Nyufaundilendi
(
Burin pensula of Newfoundland
) uye 3,819 km (2,373 mi) kubva ku
Bhuresti
(Brest), guta riri padyo mu Furanzi ye Umetiroporiti. Iyo diki ye Chitsuwa chiZerere cheKanadha iri makiromita tanhatu (6 mi) kumabvazuva kwe Musande Petro, ingangoita pakati pePoyindi Mei.
- vasanyika (citizens)
- Mbungano ye Dhidhizha (National Assembly)
- Saruro (election)
- useneta (senatorial)
- utungamiranyika (presidential)
- senzasi (census)