Iyi isimbi ine ruvara rwakada kuita kunge pakati pezai mbishi uye riine kupenya. Simbi iyi inodaidzwa kunzi
gold
pa chiRungu. Simbi iyi ndiyo inokwanisika kupambadzirwa kupfura dzimwe simbi dzese. Inoshandiswa pakugadzira
zvinemeso
zvinodhura zvinenge mhete, ndoro, chuma. Inoshandiswawo kugadzira zvinhu zvemagetsi zvinodhura nekuti ino kwanisa kufambisa magetsi (conductor).