Chinyorwa chino chinotaura pamusoro penguva dzezuva nematauriwo adzinoitwa mu
Zimbabwe
.
Nguva yemangwanani ndiyo nguva yokutanga kwezuva kubva pakuyedza kwezuva vanhu vachimuka. Nguva iyi inotaurwawo nenzira dzimwe dzakasiyana.
Kubata jongwe muromo
kunotaura kuti munhu amuka rungwanani machongwe asati akukuridza.
Mashambanzou
inguva yerungwanani zvakare apo panoonekwa nzou dzichienda kudziva kunonwa mvura nokugeza miviri yadzo.
- Mazambambira
(Early morning, just after sunrise when dassies sun themselves) inguva yemangwanani Suva richangoyedza apo mbira dzinozamba zuva.
- Chedza
(first dawn).
Iyi inguva yokunge zuva rakwira zvichibva pana 12
masikati
. Panguva iyi vanhu vanenge vokwazisana
Masikati
asi kwete
maswera sei?
.
Rudziyakamwe
inguva apo zuva rinopisa zvakanyanya; panguva iyi zuva rinenge riri pakati pedenga richirova
nhongonya
. Nokumwe kutaura nguva iyi inonzi ye
chikumura mabhachi
.
Nguva yemanheru inotaurwa kana zuva rarereka paye parinenge ronodoka. Apa vanhu vanenge vokwazisana
manheru, maswera sei?
. Nguva iyi inotaurwa nenzira dzimwe dzakasiyana.
Rubvunza vaeni
inguva dzekunge zuva ronodoka vanhu vabva kumabasa kana kumunda apo paisvika vanhu mumisha kwobvunzwa kuti
ko ndiani mueni asvika pamusha uyo
. Nokumwe kutaura nguva iyi inokwanisa kunzi
madeko
.
- Madeko
(evening at twilight).
- kweru
kana
rukungurima
(Twilight - morning or evening). Fanoenda kuchiri
kweru
: set off early in the first light.
- kwerure
(ideo of Spending whole night doing something).
Shoko rokuti
husiku
rinotaura nguva iyo zuva rinenge radoka kwasviba, kusisina vazhnji vanobata basa kana kufamba. Nguva iyi inobatanidza apo vanhu vanenge varara ichinopinda murungwanani.
Ticharara kwa
Mutoko
husiku huviri. We shall sleep two nights in Mutoko.
- VaNyungwe
vanoti
macibese
(n. morning) kureva mangwanani.
- VaNyungwe vanoti
kweru
(early afternnon) kureva
pakuvamba kwemasikati
.
- VaGanda
vanoti
kikeru
kana
nakeru
(early) vachireva
kweru
.
- MaZulu
vanoti
nkwela
(Dawn, clear; become light, bright) kureva kweru.