한국   대만   중국   일본 
Mangwanani - Wikipedia Svetuka kuchirochemo

Mangwanani

Kubva Wikipedia

Nguva yemangwanani ndiyo nguva yokutanga kwezuva kubva pakuyedza kwezuva vanhu vachimuka. Nguva iyi inotaurwawo nenzira dzimwe dzakasiyana. Kubata jongwe muromo kunotaura kuti munhu amuka rungwanani machongwe asati akukuridza. Mashambanzou inguva yerungwanani zvakare apo panoonekwa nzou dzichienda kudziva kunonwa mvura nokugeza miviri yadzo. Mambakwedza kana kuti mavambakuyedza zvinoreva rungwanani pakutangisa kwawo.

  • Mazambambira (Early morning, just after sunrise when dassies sun themselves) inguva yemangwanani Suva richangoyedza apo mbira dzinozamba zuva.
  • Chedza (first dawn).

Mitauro yeAfrika [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]