Malawi
, kana
Maravi
(kana futi
Malavi
, kureva
Murazvo
paChishona) pachihofisi ichinzi
Rudhende rwe Malawi
, i
nyika yakakomberedzwa
iri ku
Chamhembechemabvazuva
kwe
Afurika
uye yaichimbodanwa kunzi
Nyasaland
. Nyika dzakaikomberedza ndedzinoti:
Zambia
iri ku
Maodzanyembaemadokero
;
Tanzania
iri ku
Maodzanyembaemabvazuva
; ne
Mazambuko
iribata kumabvazuva, kuchamhembe nekumadokero. Ruwa rwe Malawi rwunodarika 118,000
skweya dzekiromita
, uye ine hugari hwe vanhu vaisvika 16,777,547 (muna
2013
). Gutaguru reMalawi rinonzi
Lilongwe
; rechipiri pakukura rinonzi
Blantyre
, rechitatu i
Mzuzu
.
Vanhu vekuMalawi vanonzi
Vamalawi
, uye munhu mumwechete anonzni
Mumalawi/Mmalawi
.
Zita rokuti Malawi rinobva pashoko rokuti
Maravi
iro raiva zita revanhu vechi
Nyanja
vakagara munyika iyi. Mamwe makomo makuru arimo anonzi Mlanje. Munyika umu munorimwa tii. Zita rokuti Maravi rinoreva kuti Murazvo.