Kuba
zvinoreva kutora chinhu chisiri chako nechinangwa chokushandisa kunge chako uye pasina chinangwa chozodzosera mwene wacho.
Tsotsi kana kuti
mbavha
zvinoreva munhu anoita mabasa ekuba. Vamwe vatauri vechimanje-maje vanongoti
vakomana
kureva iwo matsotsi. Kuba zvinoreva kutora chinhu chisiri chako usina urongwa hwekuzivisa muridzi wacho kuti watora uye usina urongwa hwekudzosera.
- Matsviture
(Sneak thief who steals anything he finds lying about) - apa kureva mbavha inoverera ichiba chero chayawana pamusha.
- Makonya
zvinoreva munhu anofurira vamwe kuita tsika kana mabasa akaipa -
bad influence
.
- Kuboya
kana
kubodza
,
kuboza
,
kubozha
(find by chance) zvinoreva kuwana kana kunhonga chinhu usiri kuzvitarisira.
Kuboya
hakuzi kuba. Ipapa panobva mazwi anoti
bozho
, uye
bodzo
.
- Muronda
(Watchman, security guard) zvinoreva munhu ane basa rekuchengeta nzvimbo achidzivirira umbavha. Vatauri ve
Chewa
vanoti
mulonda
.
- Kupinga
(to trap thives by putting intoxicating substance in food they are likely to steal) apa kureva kuteya mbavha nokuisa mushonga unodhaka kana kukora muchikafu chingangobiwa nembavha.
- Kubinya
(cheat, defraud). Anoita izvi anonzi
mubinyi
, chiito chinonzi
mubinyo
.
- Mubinyi
(Fraud. Cheat).
- Mubinyo
(Fraud or cheating - act, or habit of).
- Nharirire
(sentinel).
- Kubvuta
(to snatch, to sieze).
Kubvutwa
kana
kubvukwa
.
- Kuchakatwa
kana
kupambwa
(to be looted) iri rinotaurwa ku
ChiNdau
. (Isaiah 13:16,
Bhaibheri reChiNdau
)
- Mirairo gumi yaMwari
ine mumwe unoti
Usaba
.
- Chikwene
kana
chinanga
(Distinguishing mark. 2. Mutilation to mark thief) zvinoreva vanga rainyorwa pambavha kana vamwe vainge vapara mhosva.
- Kumberereka
(Wander aimlessly). kana kutimhaira zvinoreva kungofamba uchitenderera panzvimbo zvisina chinangwa. Handidi kuti vana vamberereke kana vaburuka mubhazi: I do not want the children wandering about after getting off the bus.
- Abraham wakagunun'unira Abimelech ngendaa ye
chinyuka
chemvura, icho chaiya
chabvukwa
ngesimba nge
varanda
vaAbhimerekhi. (
Genesis 21:25
Bhaibheri reChiNdau
).