Muchidzidzo che
Pimanyika
,
gonyoina tsazamativi
(Rhombus) chiumbwa chine mativi mana ose akaenzana. gonyo dzemukati dzakatarisana dzinenge dzakaenzana zvakare. Chiumbwa ichi chine madanhamakonyo maviri anochekana negonyo re 90
o
. Skweya iri pamupanda wegonyoina tsazamativi. Zita rokuti tsazamativi rinotsangangurwa kuchinyorwa chinonzi
pimanzvimbo
. Chivakamberi chokuti
tsaza-
chinobva kushoko rechi
Manyika
rokuti
tsazana
rinoreva kuenzana.
Gonyoina tsazamativi rega-rega rine ma
guramakonyo
mbiri anobatanidza
mikwava
(vertices)
miviri yakatarisana, uye mativi maviri akati
sambamba
. Kuchishandiswa
gonyonhatu
dzine
chidzudzani
pane umbowo hwokuti
gonyoina tsazamativi
rine
kupimirana
kunotevedza madanhamakonyo maviri ari mariri. Chiumbwa ichi chine faniro
(properties)
dzinotevera:
- Gonyo mbiri dzakatarisana dzakaenzana
- Guramakonyo
mbiri anochekana negonyo re 90
o
; akaita mutwi.
- Guramakonyo maviri anochekana kuita zvikamu zviviri zvakaenzana.
Faniro yekutanga inotiudza kuti gonyoina tsazamativi riri pamupanda we
gonyoina sambamba
Nharaunda yechiumbwa ichi runowanikwa ne
tsazaniso
inoti:
Nharaunda, A = 1/2.b.h
Apa
b
anomirira nhambwe yehwaro;
h
achimirira nhambwe yehudzamu. Tinotora hwaro sedivi ripi zvaro; hudzamu hunozotorwa senhambwe ye
mutwi
unobatanidza mativi maviri asina kutevedzana.
Imwe nzira inokwaniswa kushanda ndeyekuti tinopangidzwa
mikwava
yegonyoina iri nemavara ABCD; nharaunda tinenge toiwana netsazaniso inoti:
Nharaunda, A = (AC.BD)/2
Apa
AC
na
BD
dzinenge dziri nhambwe dzemaguramakonyo maviri.