한국   대만   중국   일본 
Gonyoina tsazamativi - Wikipedia Svetuka kuchirochemo

Gonyoina tsazamativi

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo che Pimanyika , gonyoina tsazamativi (Rhombus) chiumbwa chine mativi mana ose akaenzana. gonyo dzemukati dzakatarisana dzinenge dzakaenzana zvakare. Chiumbwa ichi chine madanhamakonyo maviri anochekana negonyo re 90 o . Skweya iri pamupanda wegonyoina tsazamativi. Zita rokuti tsazamativi rinotsangangurwa kuchinyorwa chinonzi pimanzvimbo . Chivakamberi chokuti tsaza- chinobva kushoko rechi Manyika rokuti tsazana rinoreva kuenzana.

Zvifaniro zvegonyoina tsazamativi [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Gonyoina tsazamativi rega-rega rine ma guramakonyo mbiri anobatanidza mikwava (vertices) miviri yakatarisana, uye mativi maviri akati sambamba . Kuchishandiswa gonyonhatu dzine chidzudzani pane umbowo hwokuti gonyoina tsazamativi rine kupimirana kunotevedza madanhamakonyo maviri ari mariri. Chiumbwa ichi chine faniro (properties) dzinotevera:

  • Gonyo mbiri dzakatarisana dzakaenzana
  • Guramakonyo mbiri anochekana negonyo re 90 o ; akaita mutwi.
  • Guramakonyo maviri anochekana kuita zvikamu zviviri zvakaenzana.

Faniro yekutanga inotiudza kuti gonyoina tsazamativi riri pamupanda we gonyoina sambamba

Nharaunda yegonyoina tsazamativi [ chinjirudza | chinjirudza mabviro ]

Nharaunda yechiumbwa ichi runowanikwa ne tsazaniso inoti:

Nharaunda, A = 1/2.b.h

Apa b anomirira nhambwe yehwaro; h achimirira nhambwe yehudzamu. Tinotora hwaro sedivi ripi zvaro; hudzamu hunozotorwa senhambwe ye mutwi unobatanidza mativi maviri asina kutevedzana.

Imwe nzira inokwaniswa kushanda ndeyekuti tinopangidzwa mikwava yegonyoina iri nemavara ABCD; nharaunda tinenge toiwana netsazaniso inoti:

Nharaunda, A = (AC.BD)/2

Apa AC na BD dzinenge dziri nhambwe dzemaguramakonyo maviri.