한국   대만   중국   일본 
Rudzi - Wikipedia

Rudzi (Kind, type, species or ethnic group) vanhu vanotsaurwa nezvinotevera:

Izwi rokuti rudzi rinoshandiswa zvakare kureva:

  • Vanhu vane ruvara rweganda rwakafanana.
  • Vanhu vane tsika nemagariro akada kufanana.
  • Vanhu vane nhoroondo yemadzitateguru inodyidzana kwe mikore mizhinji.
  • Rudzi (descents; relations) kureva dzinza kana rudzi rwevanhu..
  • Ndudzi (nations; relations) kureva madzinza kana marudzi rwevanhu..

Mamwe Mazwi

chinjirudza

Maonero ekuti rudzi chii anosiyana-siyana zvichibva nokuti munhu ari kupi uye ari kutaura nani. Somuenzaniso:

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • Baila vanoti chisi (n. nation) kureva rudzi . VaGanda vanoti chika kana kika (n. tribe, clan; race, nation) kureva rudzi.
  • VaLenje ne Baila vanoti mukumo (kind, genus, species, sort) kureva rudzi kana mhando.
  • Kimbundu inoti mbutu (n. species; nation, plant, breed, seed). Mbukushu inoti rudhi (n. type).
  • Kikongo inoti mpila (n. Sort, kind, variety, species, class, form, breed, style, shape).
  • VaChewa vanoti ntundu (a tribe, a sort or kind of anything). VaNyoro vanoti mulingo (kind, species) kureva rudzi .
  • VaGwere vanoti igwanga kana mawanga (tribe, country, nation) kureva rudzi rwevanhu.
  • VaWanga vanoti lihanga (nation) vachireva rudzi rwevanhu. Kikongo inoti mbaku (n. kind, sort, quality, style, shape).